1 Kings 6

Soromoni anovaka Temberi

1Zvino mugore ramazana mana namakumi masere mushure mokubuda kwavaIsraeri munyika yeIjipiti, mugore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pamusoro peIsraeri, mumwedzi waZivhi, unova mwedzi wechipiri, akatanga kuvaka temberi yaJehovha.

2Temberi yakavakirwa Jehovha naMambo Soromoni yakanga yakareba makubhiti makumi matanhatu
mamita angaita 27
, ina makubhiti makumi maviri
mamita angaita 9
paupamhi hwayo, ina makubhiti makumi matatu
mamita angaita 13.5
pakukwirira kwayo kumusoro.
3Biravira raiva mberi kweimba huru yetemberi rakawedzera upamhi hwetemberi hwamakubhiti makumi maviri
mamita angaita 9
uye rakanga rakapfuurira mberi kwetemberi namakubhiti gumi
mamita angaita 4.5
.
4Akaitira temberi iyi mawindo ane upamhi hudiki. 5Pamadziro eimba huru neeimba tsvene yomukati akavaka chivakwa chakapoteredza imba, chaiva nedzimwe dzimba kumativi. 6Imba yapasi yaiva noupamhi hwamakubhiti mashanu
mamita angaita 2.3, uyewo nomundima 10 ne 24
, imba yapakati yaiva noupamhi hwamakubhiti matanhatu
mamita angaita 2.7
uye imba yechitatu yaiva namakubhiti manomwe
mamita angaita 3.2
. Nechokunze akavaka zvitakuriso kumativi kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro etemberi.

7Pakuvaka madziro etemberi mabwe akanga avezwa chete ndiwo akashandiswa, uye hapana kunzwikwa kurira kwesando kana mbezo kana mumwe mudziyo patemberi payakanga ichivakwa.

8Musuo weimba yapakati waiva kuchamhembe kwetemberi, paiva namatanho aienda kuimba yapasi, achizobva kuimba yapakati achienda kune yechitatu. 9Naizvozvo akavaka temberi, uye akaipedza, akaturika denga ramatanda namapuranga emisidhari. 10Uye akavaka dzimba pamadziro etemberi yose. Imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti mashanu, uye dzakanga dzakabatanidzwa netemberi namatanda emisidhari.

11Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni richiti, 12“Pane zvetemberi iyi yauri kuvaka, kana ukatevera mitemo yangu, ukaita zvandakatema, uye ukachengeta mirayiro yangu yose nokuiteerera, ipapo ndichazadzisa chivimbiso changu newe, chandakavimbisa baba vako Dhavhidhi. 13Uye ndichagara pakati pavaIsraeri, uye handizorasi vanhu vangu vaIsraeri.”

14Saka Soromoni akavaka temberi akaipedza. 15Akaisa mapuranga emisidhari pamadziro etemberi nomukati, akaaroverera kubvira pasi kusvikira kumusoro, uye pasi pose pakanga pane mapuranga emusipuresi. 16Akakamura necheshure kwetemberi chimwe chikamu chakanga chakareba makubhiti makumi maviri
mamita angaita 9
, namapuranga emusidhari kubva pasi kusvika kumusoro kuti chive nzvimbo tsvene yomukati metemberi, Nzvimbo Tsvene-tsvene.
17Imba huru yakanga iri pamberi peimba iyi yakanga yakareba makubhiti makumi mana
mamita angaita 18
.
18Mukati metemberi makaitwa nemisidhari yakavezwa mifananidzo yemikombe namaruva akazaruka. Zvose zvaiva misidhari chete, hapana dombo raionekwa.

19Akagadzira nzvimbo tsvene yomukati, mukatikati metemberi, kuti agogadzikapo areka yesungano yaJehovha. 20Mukati menzvimbo tsvene yomukati makanga makareba makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo makubhiti makumi maviri
mamita angaita 9
, uye makareba makubhiti makumi maviri pakukwirira kwamo mudenga. Akafukidza mukati mose negoridhe rakaisvonaka, uye akafukidzawo aritari namapuranga omusidhari.
21Soromoni akafukidza mukati metemberi yose negoridhe rakaisvonaka, uye akaisa ngetani dzegoridhe dzakachinjika pamberi penzvimbo tsvene yomukati, iyo yakanga yakafukidzwa mukati mose negoridhe. 22Saka akafukidza mukati mose negoridhe. Akafukidzawo aritari yenzvimbo tsvene yomukati negoridhe.

23Akaita makerubhi maviri omuti womuorivhi, rimwe nerimwe rakareba makubhiti gumi
mamita angaita 4.5
, munzvimbo tsvene yomukati.
24Bapiro rimwe chete rekerubhi rokutanga rakanga rakareba makubhiti mashanu, uye rimwe bapiro rakanga rakareba makubhiti mashanu, makubhiti gumi kubva pamuromo perimwe bapiro kusvika pamuromo perimwe bapiro. 25Kerubhi rechipiri rakanga rakarebawo makubhiti gumi, nokuti makerubhi maviri aya akanga akafanana pakukura namaumbirwo. 26Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumi. 27Akaisa makerubhi munzvimbo yomukatikati metemberi, mapapiro amakerubhi akatambanudzwa. Bapiro rerimwe kerubhi raiguma mamwe madziro, bapiro rerimwe richiguma mamwe madziro uye mamwe mapapiro awo aigumana pakati peimba. 28Akafukidza makerubhi negoridhe.

29Akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwe neyamaruva akazaruka, pamadziro ose akatenderedza mudzimba dzomukati nedzimba dzokunze. 30Akafukidzawo pasi pedzimba dzomukati nedzimba dzokunze dzetemberi negoridhe.

31Akagadzirira musuo wenzvimbo tsvene yomukati makonhi omuti womuorivhi; chivivo chapamusoro namagwatidziro zvaiva namativi mashanu. 32Pamakonhi maviri aya omuti womuorivhi akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwe neyamaruva akazaruka, akafukidza makerubhi nemiti yemichindwe negoridhe rakarohwa. 33Nenzira imwe cheteyo akagadzirirawo musuo weimba huru chivivo namagwatidziro zvomuti womuorivhi zvakanga zvine mativi mana. 34Akaitawo makonhi maviri omuti womusipuresi, mapenga maviri egonhi rimwe aigona kupetwa, uye mapenga maviri erimwe gonhi aigona kupetwa. 35Akaveza makerubhi, miti yemichindwe namaruva akazaruka paari, akazvifukidza negoridhe rakarohwa zvakaenzanirana pamusoro pezvakavezwa.

36Uye akavaka chivanze chomukati chine hwaro hutatu hwamatombo akavezwa, nehwaro humwe chete hwamatanda omusidhari.

37Hwaro hwetemberi yaJehovha hwakavakwa mugore rechina, mumwedzi waZivhi. 38Mugore regumi nerimwe mumwedzi waBhuri, mwedzi worusere, temberi yakapera kuvakwa yose sezvayakanga yakafanira kuitwa. Akapedza makore manomwe achiivaka.

Copyright information for SnaBDSC